"Kunyora muChiShona" na Masimba Musodza

Pachikoro cheSt. Mary Magadalene’s High School, kuNyanga, ndipo pandakasangana nenganonyorwa mururimi rweChiShona. Ndakange ndatova nechishuviro chekuva munyori wengano dzinotekenyedza, nedzenyikadzimu nezveusiku, uye nedzeumhizha kana ruzivo rwesaenzi rwatisati tavenarwo, asi ndaida kunyora neChiRungu. Zvidzidzo zveChiShona ndizvo zvakazarura pfungwa dzangu pamusoro pemutauro wedu. Pfungwa idzi dzakatsinhirwa nebhuku ravaNgugi waThiongo, munyori ane mukurumbira nepasi rose, rinonzi DeColonising The Mind. Muhurukuro neabi angu, kwakabuda pfungwa yekuti ChiShona chakange chisiri mutauro wakapfuma zvekuti munhu anganyore zvakadzama zvechizvino. Pfungwa iyi yaiburikidzwa nemararamiro edu sevana vakakurira muHarare, uye vakange vaenda kuzvikoro zvaimbove zvevachena chete. Pfungwa iyi ndiyo yaitipa kakusada kana kurava mabhuku eChiShona acho; aionekwa seasina zvine udzamu zvaaigona kutiratidza.
Ini ndakapikisa pfungwa iyi. Muna1985, ndiri chikomana chine makore pfumbamwe ekuzvarwa, ndakarondedzera kunaGogo vangu rungano rwaMary Shelley, Frankenstein, neChiShona chemandorokwati. Izvi zvakandiratidza kuti pakange pasina chibiningiso kana chikoneso pakati pendimi dzakasiyana dzepasi rino. Pfungwa yekuti pane chibiningiso ndinoona seinonyebudza vanhu vakawanda, ichivatadzisa kuziva zvakawanda zvepasi rino nekuda kwekuti hazviwanikwi muChiShona. Nhasi uno, mararamiro edu akapatsanurwa pakati peChiRungu neChiShona. Munhu anoyambuka kubva kuChiRungu achienda kuChiShona anenge atofuratira zvose zvekwaanenge abva. Naizvozvo, munhu anopinda mumupanda weChiRungu anenge asiyana neChiShona. Izvi ndizvo zvairatidzwa nemitambo yepadzangaradzimu; taiseka mutambi aitaura ChiShona chete sefuza risina zvakawanda zvarinoziva. Zvakare, munhu aiziva ChiRungu chete aita sebenzi kana aive pane vanotaura ChiShona chete. Asi, pfungwa yainyanyotsinhirwa ndeyekuti ChiRungu ndechevakatingwarei, ChiShona ndeche vane njere shoma. Asi, sezvandakaona, ukaturikira zvinyorwa zvinopembedzwa kunyika dzechekumadokero, vanhu vasingazive ChiRungu vanotokwanisa kuona kukosha kwezviverengwa izvi.
Ndiri paSt. Mary Magdalene’s paya, kwakauya shoko rekuti kambani yezvekutsikiswa kwemabhuku yeCollege Press, ichibatana neBazi reDzidzo, yaitisa makwikwi ekutsvaga nganonyorwa inotaura pamusoro pekuchengetedzwa kwezviwanika. Ndakatanga kunyora nyaya yevemakambani ekunyika dzakasimukira anorasira makemikari kunyika dzemuAfurika zviri kunze kwemutemo. Handina hangu kuzoitumira kuvemakwikwi aya.
Nganonyorwa iyi ndakazoitsikisa muna2010, nezita rekuti MunaHacha Maive Nei? Rakagamuchirwa senganonyorwa yekutanga mururimi rweChiShona yerudzi rwunonzi Science Fiction muChiRungu. Muna2011, ndakaburitsa Aquilina (kana kuti, Reururo yaHatifari Maforimbo) ndichishandisa nzira dzechizvino dzeAmazon Kindle. Asi, pasina mwedzi yakawanda, veAmazon vakamira kutengesa ngano iyi vachiti vaitengesa zvinyorwa zvendimi mbiri chete dzemuAfurika; Afrikaans neKiSwahili. Nanhasi, hakusati kwave nevashambadzi vepaIndaneti vakawanda vanopawo mukana kune zvinyorwa zveChiShona. KuZimbabwe kwakambove kambani yainzi Mazwi, asi yakazongovhara pasina tsanangudzo.
Ndakanyora Shavi Rechikadzi, iro rinosanganisa nyikadzimu yavaH.P. Lovecraft, avo vanoremekedzwa nevanyori vengano dzechizvino dzinobata nezvose zvinotyisa. Munganopfupi Imba YaSekuru Browne, ndinodzokera kudingindira rakarerekera kuzvinyorwa zvaLovecraft, zvikurusa maererano nezverugwaro rwunorondedzera nzira dzingashandiswe nemunhu kuti adane mweya yakaipa, De Vermis Mysterii.
Muna2019, ndakatsikisa zvakare Aquilina (kana kuti, Reururo yaHatifari Maforimbo). Kune akamboaverenga mabhuku aya, yavegaroziva kuti ndinoruka nyaya yezvisingaitike muupenyu senzira yekuvheneka pane zvinobata mararamiro edu anhasi. MunaHacha Maive Nei? ingava nyaya yezvikara zvinoparadza vanhu, asi inyaya yezvematongerwo enyika dzepasi rose; masimba enyika dzakasimukira pamusoro peidzo dzichiri kubudirira mune zvekuchengetedzwa kwezviwanikwa, kudzivirira nzara, uye mabasa eumhizha nekutsvaga ruzivo. MunaShavi Rechikadzi, ndaitarisa kukundikana dzimweniguva kunoita vezvemutemo nechita zvachose kudzivirira kubatwa chibharo kwevanhukadzi. Aquilina (kana kuti, Reururo yaHatifari Maforimbo) inyaya yezvekurwara nepfungwa. Imba yaSekuru Browne inobata nezvetsika yekuchiva pfuma yehama nekuitira godo.
Kurudziro iri kubva kumativi mana. Mugore ra2011, MunaHacha Maive Nei? rakasarudzwa pane mabhuku mana aikwikwidza mubairo weZimbabwe Music & Arts Awards (ZIMAA) Book of the Year, kuno kuUK. Handina hangu kuzouwana mubairo uyu, asi ndakapihwa unonzi Writer of the Year. Asi, muna2016, Shavi Rechikadzi rakapihwa mubairo uyu weBook of the Year. Ndakadaidzwa kumayunivhesiti akasiyana emuno muUK, ndichitaura maererano nezvemabhuku angu. Muna2019 zvakare, ndakakumbirwa neveVector, rinova magazini reBritish Fantasy & Science Fiction Association kuti ndinyore rondedzero pamusoro pekunyora neChiShona, Writing and publishing "complicated stuff" in an African language.
Matambirwo ari kuitwa mabasa angu ekunyora muChiShona anondishamisa, uye anondipa manyukunyuku ekuti ndinyore mamwe mabhuku. Zvakare, anopedza gakava maererano nekukosha kweChiShona muupenyu hwanasi, zvikurusa kunesu vanogara kune dzimwe nyika.
Mabhuku aMasimba Musodza eChiShona anowanikwa apa: https://payhip.com/BelontosBooks